Kutendeka

Magwaro anobvuma kusatendeka kwomwoyo womunhu uye anopa mienzaniso yakawanda yemaitiro asina kutendeka. Mwari anoda kutendeka kwakakwana muzvinhu zvose zvoupenyu, uye anoratidza kuti kusatendeka kungakundwa sei uye ukama hwakaparara hungadzorerwa sei.

Vanhu havasi vakatendeka

Mwoyo womunhu haasi wakatendeka

Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita. (Genesisi 8:21)
Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva? (Jeremia 17:9)
Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. (Mateo 15:19)
Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi. (Mako 7:21-22)

Vanhu vakatendeka chete pamwe chete

Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira. (Vatongi 17:6)

Mienzaniso yavanhu vasina kutendeka

...asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze. (Genesisi 31:7)
VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita: Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviri esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.” (Joshua 7:11, 20-21)
Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga. (1 Samueri 8:3)
Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ” (1 Madzimambo 21:19)
Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema. (Mapisarema 58:3)
Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo. (Isaya 1:23)
Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa. (Isaya 56:11)
“Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera. (Jeremia 6:13)
“ ‘Mungaba mugouraya, mugoita upombwe mugopika nhema, muchipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, mugotevera vamwe vamwari vamusina kumboziva, Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona, ndizvo zvinotaura Jehovha. (Jeremia 7:9, 11)
Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama. Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira. (Ezekieri 22:27, 29)
Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika. Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa. (Hosea 4:1-2)
Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura. (Hosea 5:10)
Pose pandinoda kuporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; (Hosea 7:1)
Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera; anofarira kubiridzira. (Hosea 12:7)
Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa? Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here? Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera. (Mika 6:10-12)
Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati, “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.” Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho. (Johani 12:4-6)
Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo. (Johani 18:40)
Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.” Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika. Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga. Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika. Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.” Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.” Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi pomurume wake. (Mabasa 5:1-10)
Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.” (Tito 1:12)
Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba. Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo. (Zvakazarurwa 9:20-21)

Mufananidzo unoshandisa kusatendeka somuenzaniso

Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake. Saka akamudana akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’ “Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha; ndinoziva zvandichaita kuitira kuti, ndikange ndarasikirwa nebasa rangu pano, vanhu vagondigamuchira mudzimba dzavo.’ “Saka akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti natenzi wake. Akabvunza wokutanga akati, ‘Une chikwereti chakaita sei iwe kuna tenzi wangu?’ “Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’ “Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’ “Ipapo akabvunza wechipiri akati, ‘Iwe une chikwereti chakadiniko?’ “Akapindura akati, ‘Zviero zana zvegorosi.’ “Akamuudza kuti, ‘Tora tsamba yako unyore makumi masere.’ “Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza. (Ruka 16:1-8)

Kusatendeka kwakavanzwa muchitendero

“ ‘Mungaba mugouraya, mugoita upombwe mugopika nhema, muchipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, mugotevera vamwe vamwari vamusina kumboziva, ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasunungurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here? Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona, ndizvo zvinotaura Jehovha. (Jeremia 7:9-11)
Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” (Mateo 21:12-13)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. (Mateo 23:25)
Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ” (Mako 11:15-17)
Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. (Ruka 11:39)
Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” (Ruka 19:45-46)
Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa. Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa. (Tito 1:10-11)

Mwari anoda kutendeka kwakakwana

Ishe ndiye chokwadi, Satani munyepi

Ishe ndiye chokwadi

Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi. (Johani 1:14)
Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. (Johani 14:6)
Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya. (Johani 16:13)
Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: (1 Johani 5:7)

Satani munyepi

Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. (Johani 8:44)

Pasi pomutemo weTestamente Yekare

Usaba. (Ekisodho 20:15)
“ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumutorera chinhu nechisimba. “ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana. (Revhitiko 19:11-13)
“ ‘Musashandise zviero zvokubiridzira kana muchiera urefu, uremu kana uwandu. Shandisai zviyero zvechokwadi efa rechokwadi nehini yechokwadi. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai muIjipiti. (Revhitiko 19:35-36)
“ ‘Kana mukatengesa munda kuno mumwe womunyika menyu kana kutenga kwaari, musabiridzirana. Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa. Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa. Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. (Revhitiko 25:14-17)
Usaba. (Dhuteronomi 5:19)
Musabvisa dombo romuganhu nomuvakidzani wenyu, rakaiswa nevakakutangirai munhaka yamunogamuchira munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu. (Dhuteronomi 19:14)
Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka. Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku. Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka. (Dhuteronomi 25:13-16)

Somusimboti mukuru weBhaibheri

...dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. (Mapisarema 34:13)
Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati. (Mapisarema 51:6)
Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi. (Mapisarema 62:10)
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. (Zvirevo 3:3)
Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako. (Zvirevo 4:24)
Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora, (Zvirevo 6:12)
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama. (Zvirevo 6:16, 19)
Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza. (Zvirevo 11:1)
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. (Zvirevo 12:22)
Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza. (Zvirevo 13:5)
Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema. (Zvirevo 14:5)
Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera. (Zvirevo 14:25)
Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati! (Zvirevo 17:7)
Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita. (Zvirevo 16:11)
Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose. (Zvirevo 20:10)
Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi. (Zvirevo 20:23)
Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva, nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba. (Zvirevo 22:22-23)
Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako. (Zvirevo 22:28)
Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera, (Zvirevo 23:10)
Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa. (Zvirevo 23:23)
Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza. (Zvirevo 28:24)
...kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro, kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here? (Kuungudza kwaJeremia 3:35-36)
Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu usarongera muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. (Zekaria 8:16-17)
Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?” Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.” Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.” (Ruka 3:12-14)
...zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here? Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here? (VaRoma 2:21-22)
Izvi zvokuti makatokwidzana kumatare pakati penyu zvinoreva kuti makatokundwa kare. Munoregereiko kubvuma kukanganisirwa? Munoregereiko kubvuma kubirwa? Asi imi, pachenyu munoba uye munoita zvisakarurama, muchizviitira kuhama dzenyu. Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari. (1 VaKorinde 6:7-10)
Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. (VaEfeso 4:25)
Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, (VaEfeso 6:14)
Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake (VaKorose 3:9)
Regai zvakaipa zvose. (1 VaTesaronika 5:22)
Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi (1 Timoti 1:9-10)
Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo, uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose. (Tito 2:9-10)
Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:15-16)
Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe. (1 Petro 4:15)

Kunodiwa kuvatungamiri

Hurumende

Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. (Ekisodho 18:21-22)
Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa. (Zvirevo 20:28)
Mutongi anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji. (Zvirevo 28:16)
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kutorera vanhu vangu zvinhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efa yakarurama uye bhati rakarurama. (Ezekieri 45:9-10)

Kereke

Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa. (1 Timoti 3:8)
Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. (Tito 1:7)
Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; (1 Petro 5:1-2)

Kutendeka kunodiwa pakupa

Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi. (Maraki 1:13-14)

Kusapa zvakanaka kunoonekwa sokuba

“Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso. Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira. (Maraki 3:8-9)

Kutendeka kunokosha kupfuura pfuma

Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka. (Zvirevo 19:1)
Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema. (Zvirevo 19:22)
Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda. (Zvirevo 28:12)

Mienzaniso yavanhu vakatendeka

Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.” (Numeri 16:15)
Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.” Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.” Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.” (1 Samueri 12:3-5)
“Kana ndakafamba nenzira yenhema kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera, ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe. (Jobho 31:5, 8)
Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari. (Dhanieri 6:4)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” (Dhanieri 6:22)
Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; havangarevi nhema, uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. Vachadya uye vagorara pasi, uye hapana angavatyisa.” (Zefania 3:13)

Muenzaniso wokuedza kutendeka kwavanhu

Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havasi vasori.” Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari. Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya. Asi munofanira kuuya nomununʼuna wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita. (Genesisi 42:11, 18-20)
Asi takati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka; hatisi vasori. Takanga tiri vanakomana gumi navaviri vababa vamwe chete. Mumwe haachipo, uye gotwe ndiye ana baba vedu zvino kuKenani.’ ” “Ipapo murume anova ndiye ishe panyika iyo akati kwatiri, ‘Hechi chinhu chichandizivisa kana muri vanhu vakatendeka: Siyai mumwe wenyu neni pano, mugotakura zvokudya zvemhuri dzenyu dziri kuziya muende. Asi muuye nomununʼuna wenyu gotwe kwandiri kuitira kuti ndigoziva kuti hamusi vasori, asi kuti muri vanhu vakatendeka. Ipapo ndichadzosera mumwe wenyu kwamuri, uye mungazotenga henyu muno munyika.’ ” (Genesisi 42:31-34)

Vanhu vanotya Mwari vanovenga kusatendeka

Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza. (Zvirevo 13:5)

Sei Mwari achida kutendeka kwakakwana?

Hatigoni kusatendeka uye tichida Mwari

Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza. (Zvirevo 14:2)

Hatigoni kusatendeka uye tichida muvakidzani wedu

Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa, uye muromo unobata kumeso unoparadza. (Zvirevo 26:28)
Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro. (VaRoma 13:9-10)

Kutendeka kunoita kuti kuparidza evhangeri kutendwe

...kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika (VaFiripi 2:15)

Kutendeka kunobatsira kutungamirira upenyu hwedu

Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete. (Zvirevo 4:24-26)

Kunyange kusatendeka kudiki kunoparadza

“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda. (Ruka 16:10)

Tingapukunyuka sei muedzo wokusatendeka?

Nenyasha nesimba raShe

Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. (Mapisarema 119:36)
“Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa: Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose. (Zvirevo 30:7-8)
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. (VaGaratia 5:16-17)

Nokushandisa mutemo wendarama

Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita. (Mateo 7:12)
Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo. (VaFiripi 2:4)

Nokutya Ishe kwakanaka

Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa. (Zvirevo 16:6)

Kuzviparadzanisa navasina kutendeka

Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri; (Mapisarema 26:4)
Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha ruvimbo rwake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema. (Mapisarema 40:4)
Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira. Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu. (Mapisarema 101:6-7)
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba; isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,” mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo; nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa. (Zvirevo 1:10-16)
Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu. (Zvirevo 29:24)
Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe, handisi kureva vanhu venyika ino vanoita upombwe, kwete, kana vano ruchiva namakororo, kana vanonamata zvifananidzo. Nokuti kana zvadaro mungatobva panyika ino. Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye. (1 VaKorinde 5:9-11)
Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinde 15:33)

Nokupa

Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. (VaEfeso 4:28)

Nokugadza nzira yokuzvidavirira

Akamubvunza akati, “Ndokupeiko?” Jakobho akati, “Musandipa chinhu. Asi kana mukandiitira chinhu chimwe chete ichi, ndicharamba ndichifudza makwai enyu uye ndichaachengeta: Regai ndifambe pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi nditsaure pakati pazvo zvose zvina mavara namakwai ana makwapa, gwayana dema rimwe nerimwe nembudzi imwe neimwe ina mavara kana ina makwapa. Ndizvo zvichava mubayiro wangu. Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.” (Genesisi 30:31-33)

Tinoitei kana tasatendeka?

Kudzorera ukama hwedu naShe

“ ‘Kana munhu akava nemhosva pane chimwe chaizvozvi anofanira kureurura nzira yaakatadza nayo uye somuripo wechivi chaakaita, anofanira kuuya kuna Jehovha negwayana sheshe kana mbudzana sechipiriso chechivi uye muprista achamuyananisira chivi chake. (Revhitiko 5:5-6)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.” (Revhitiko 6:1-5, 7)
Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose. (1 Johani 1:9)

Kudzorera ukama hwedu nomunhu watakakuvadza

Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha. (Zvirevo 28:13)
Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda. (Jakobho 5:16)

Kudzorera chose chakabiwa

“Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete. “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa; asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana isina chinhu, inofanira kutongeswa kuti iripe umbavha hwayo. “Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri. (Ekisodho 22:1-4)
“Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri. Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu. Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri. (Ekisodho 22:7-9)
“Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa. (Ekisodho 22:14)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. (Revhitiko 6:1-5)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva, uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira. Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondobwe rokumuyananisira. (Numeri 5:5-8)
Dhavhidhi akatsamwira munhu uyu zvikuru kwazvo akati kuna Natani, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa! Anofanira kuripira gwayana iri kakapetwa runa pamusoro, nokuti akaita zvinhu zvakadai akasava netsitsi.” (2 Samueri 12:5-6)
Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake. (Zvirevo 6:30-31)
Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi. Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo. (Ezekieri 33:14-16)
Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.” (Ruka 19:8)

Maropafadzo nokutukwa

Maropafadzo akavimbiswa vakatendeka

Ropafadzo roukama hwepedyo naShe

Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene? Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye, anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza, (Mapisarema 15:1-4)
Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema. (Mapisarema 24:3-4)
Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi. (Mapisarema 145:18)
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. (Zvirevo 3:3-4)
...nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita. (Zvirevo 3:32)
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. (Zvirevo 12:22)
“Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka. Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo, nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka. Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.” (Jeremia 22:15-17)

Ropafadzo rokudzivirirwa

Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, (Zvirevo 2:7)
Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa. (Zvirevo 10:9)

Ropafadzo rokupiwa

Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa, uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura. (Isaya 33:15-16)

Ropafadzo pamhuri

Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa. (Zvirevo 20:7)

Ropafadzo romufaro

Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu. (Zvirevo 10:2)

Ropafadzo roupenyu

Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka. Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku. Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. (Dhuteronomi 25:13-15)
Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. (Mapisarema 34:12-13)
Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku. (Zvirevo 12:19)
Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi. Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo. (Ezekieri 33:14-16)

Ropafadzo rokuremekedzwa navanhu

Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. (Zvirevo 3:3-4)

Ropafadzo rokubudirira

Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika. (Zvirevo 15:6)

Ropafadzo kuvatungamiri

Mutongi anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji. (Zvirevo 28:16)

Kutukwa kwakachengeterwa vasina kutendeka

Kutukwa kwokuvengwa/kuparadzaniswa naMwari

Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka. Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku. Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka. (Dhuteronomi 25:13-16)
Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema. (Mapisarema 5:6)
...nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita. (Zvirevo 3:32)
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama. (Zvirevo 6:16, 19)
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. (Zvirevo 12:22)
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara. (Zvirevo 19:9)
Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida. (Isaya 57:17)
Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa. Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa. Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa. (Isaya 59:2-4)

Kutukwa kwechirango/kutongwa

“Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” (Dhuteronomi 27:17)
Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa. (Mapisarema 63:11)
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. (Zvirevo 12:22)
Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza. (Zvirevo 15:26)
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi. (Zvirevo 19:5)
Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha. (Zvirevo 20:17)
Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida. (Isaya 57:17)
Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba, uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo, havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo. Ko, handifaniri kuvaranga pane izvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai? (Jeremia 5:27-29)
“Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa. Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, ndichavanatsa uye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu? Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo. Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?” (Jeremia 9:3-9)
“ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako. Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita. Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako. (Ezekieri 22:13-15)
Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama. Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura. Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira. “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe. Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” (Ezekieri 22:27-31)
Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura. (Hosea 5:10)
Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika, muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera, muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi. Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita. “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena. Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo. (Amosi 8:4-10)
Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa? Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here? Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera. Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu. Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo. Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho. Makachengeta zvirevo zvaOmuri uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.” (Mika 6:10-16)
Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” (Mateo 21:12-13)
Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” (Ruka 19:45-46)

Kutukwa kworufu/kuparadzwa

VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’ ” Joshua akati, “Watipinzireiko mudambudziko iri? Jehovha achakupinza mudambudziko nhasi.” Ipapo vaIsraeri vose vakamutema namatombo, uye shure kwokuvatema vose, vakavapisa nomoto. (Joshua 7:11, 15, 25)
Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema. (Mapisarema 5:6)
Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera! Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera (Mapisarema 52:3-5)
Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana. (Zvirevo 1:19)
Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora, Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira. (Zvirevo 6:12, 15)
Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku. (Zvirevo 12:19)
Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa. (Zvirevo 21:6)
Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa. (Zvirevo 22:8)
Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva, nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba. (Zvirevo 22:22-23)
“Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.” Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha: “Havangamuchemi vachiti: ‘Yowe-e, mununʼuna wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti: ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’ Achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro, achakwekweredzwa agoraswa kure, kunze kwamasuo eJerusarema.” (Jeremia 22:17-19)
“Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo. Anochinya mukadzi womuvakidzani wake. Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza. Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake. Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo. (Ezekieri 18:10-13, 18)
Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.” Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika. Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga. Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika. Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.” Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.” Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi pomurume wake. (Mabasa 5:1-10)

Kutukwa pamhuri

Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama. (Zvirevo 15:27)
Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera. (Jeremia 8:10)
Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita. Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake. Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko. (Mika 2:1-3)

Kutukwa pazvinhu

...asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze. Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri. (Genesisi 31:7, 9)
Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu. (Zvirevo 10:2)
Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande. (Zvirevo 13:11)
Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwe chete navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera. (Jeremia 6:12-13)
Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira, ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama. Pakati pamazuva ake, zvichamusiya, uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi. (Jeremia 17:11)
“Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi; ndichakupa mahwanda endarira uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.” Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo, upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose. (Mika 4:13)

Kutukwa kwokuzvikudza

Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa. (Zvirevo 22:8)

Kutukwa kwavari pasi pomutungamiri

Kana mutongi akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa. (Zvirevo 29:12)

Kutukwa nokusingaperi

Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 21:8)
Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana. (Zvakazarurwa 21:27)
Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita. (Zvakazarurwa 22:15)

Kutukwa kwakawanda

“Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” (Dhuteronomi 27:17)
Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha. (Zvirevo 20:17)
Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza! (Nahumi 3:1)

Maonero avanhu okuti Mwari haarangi kusatendeka

“Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina? Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva. (Jobho 24:1-2, 12)

Fufuro

Vanhu vanopa fufuro

Fufuro inoshanda

Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira. (Zvirevo 17:8)
Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru. (Zvirevo 21:14)

Vakaipa vanopa fufuro

Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa, vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi. (Mapisarema 26:9-10)
Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira. (Zvirevo 17:23)

Mienzaniso yavakapa fufuro

Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga. (1 Samueri 8:3)
Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo. (Isaya 1:23)
Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete. (Mika 7:3)
Vakadzi vaya vachiri munzira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakandotaurira vaprista vakuru zvose zvakanga zvaitika. Vaprista vakuru vakati vasangana navakuru, uye vafunga zano, vakapa varwi mari zhinji vakati kwavari, “Imi munofanira kutaura muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tivete.’ Kana mashoko aya akasvika munzeve dzomubati, isu tichaita kuti agutsikane uye imi musawira mudambudziko.” Saka varwi vakatora mari iya vakaita sezvavakanga varayirwa. Uye shoko iri rakaparadzirwa kwazvo pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi. (Mateo 28:11-15)
Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.” Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye. (Mabasa 24:25-26)

Kurayirwa kusapinda mufufuro

“Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vaya vanoona uye inomonyorora mashoko owakarurama. (Ekisodho 23:8)
Musatsauka pakururamisira uye musaita rusarura. Musagamuchira fufuro, nokuti fufuro rinopofumadza meso owakachenjera uye rinominamisa mashoko avakarurama. (Dhuteronomi 16:19)

Fufuro inoodza

Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo. (Muparidzi 7:7)

Muenzaniso waShe asingagamuchiri fufuro

Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro. (Dhuteronomi 10:17)

Vatungamiri havafaniri kugamuchira fufuro

Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana kugamuchira fufuro.” (2 Makoronike 19:7)
Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza. (Zvirevo 29:4)

Mienzaniso yavasina kugamuchira fufuro

Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.” Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.” Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.” (1 Samueri 12:3-5)
Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu, (Jobho 6:22)

Maropafadzo nokutukwa

Vanopa fufuro vakatukwa

“Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.” (Dhuteronomi 27:25)
...vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva. (Isaya 5:23)
Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako. Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita. Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako. (Ezekieri 22:12-15)
Munotsika pamusoro pomurombo muchimumanikidza kuti akupei zviyo. Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe, hamungagari madziri; kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa, hamunganwi waini yayo. Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu. Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro, uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare. (Amosi 5:11-12)
Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.” Naizvozvo nokuda kwenyu, Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, pachikomo pamire temberi, pachava dondo. (Mika 3:11-12)

Vasingapi fufuro vakaropafadzwa

Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene? anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi. (Mapisarema 15:1, 5)
Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama. (Zvirevo 15:27)
Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa, uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura. (Isaya 33:15-16)