Vana

Vabereki vane basa rokudzidzisa vana vavo nguva dzose tsika dzakanaka kuburikidza noupenyu hwezuva nezuva nomuenzaniso wavo. Dzidziso yepakutanga neyokushingaira inobatsira vana kuvaka nheyo dzakasimba dzetsika dzichavatungamirira kusvikira vakura.

Vabereki vane basa rokudzidzisa vana vavo misimboti nemaitiro oupenyu anofadza Mwari

Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu. (Dhuteronomi 4:9)
Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. (Dhuteronomi 6:6-7)
Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu. Adzidzisei kuvana venyu, muchitaura pamusoro pawo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka. (Dhuteronomi 11:18-19)
Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. (Zvirevo 22:6)